Skweya
Mataridziko
Muchidzidzo chePimanyika (geometry), skweya (square) chiumbwa chine mativi mana ose akaenzana negonya ina dzose dzakaenzana. Skweya riri mumupanda wegonyaina.
Pimamuganhu neNharaunda
[chinjirudza | chinjirudza mabviro]Pimamuganhu yeskweya rine mativi akareba nhambwe K inowanikwa netsazaniso inoti:
Pimamuganhu, P = 4.K,
uye Nharaunda yeSkweya inowanikwa netsazaniso inoti:
Nharaunda, A = K2
Zvifaniro zveSkweya
[chinjirudza | chinjirudza mabviro]Skweya iri mumupanda wegonyaina tsazamativi neruramamakonyo, saka zvinoreva kuti ine zvose zvifaniro (properties) zviumbwa zviviri izvi; sokuti:
- Guramakonya mbiri dzinochekana negonya re 90o uye dzinochekana kuita zvikamu zviviri zvakaenzana.
- Guramakonya dzeSkweya dzinocheka makonya muzvikamu zviviri zvakaenzana.
- Mativi akatarisana eSkweya akaenzana uye akati sambamba.
- Guramakonya mbiri dzeSkweya dzakaenzana
- Makonya ose ari mana eSkweya akaenza ari 90o