Rondedzero Dzakanyorwa Nevana Vakadzidziswa

Download as pdf or txt
Download as pdf or txt
You are on page 1of 19

RONDEDZERO

DZAKANYORWA MHANDO

NEVANA DZAKASIYANA
DZERONDEDZERO

VAKADZIDZISWA
ZVINYORWA KUBVA KVANA VAKADZIDZA PAMUCHERENGI PRIMARY
SCHOOL MUGURUVE KUBVA 2017-2019 UYU MUENZANISO
WEMANYORERWO ERONDEDZERO AKANAKA DZIDZA KUBVA
PAZVINYORWA IZVI USAZOZVITORA KUZVIITA ZVAKO.
RONDEDZERO DZAKANYORWA NEVANA VAKADZIDZISWA
BASA IRI ZVINYORWA ZVAKANYORWA NEVANA VAKADZIDZISWA PAMUCHERENGI PRIMARY
SCHOOL 2017-2019. MUCHERECHEDZO WEMANYORERWO AKANAKA EMHANDO DZAKASIYANA-
SIYANA DZERONDEDZERO USAZOTORA ZVINYORWA IZVI WOZVINYORA SEBASA RAKO
NGAZVIKUBATSIRE KUUMBAWO RONDEDZERO DZAKO NEMUTOO UYU.

ZUVA RANDAKAFARA ZVIKURU

Hamawe-e chitaurirwa hunyimwa mbare dzokumusana. Izvi zvaitoda kuzvionera pamhuno sefodya.

Wakanga uri musi wa22 Zvita apo ndakaenda kunopemberera muchato weshamwari yaamai vangu.
Ndakamuka runyanhiriri kugadzirira rwendo rwangu nemoyo wose kuti ndisazodya manonoko.
‘’Kurumidza kugadzirira nokuti unogona kushaiwa dutavanhu,” avo ndiamai vangu vaingunopopota
vari mubikiro.

Veduwe-e zuva iri ndakafara sendichadambura nhembe. Muchato waive wechigagairwa chivhindikiti
chomwanasikana. Muchato uyu wakafadza kana nevaroyi vose. Paiva nemavhu nemarara
emachikichori. Kana vanamusiyadzasukwa vakanwa vakapedzisira vangohutarisa.

Mukadzi aive akapfeka gauni jena raiita sekunge akazvarwa naro neshangu dzeruvara rwedenga.
Murume aive akapfeka sutu nhema neshangu dzruvara rwemuto wenyemba. Mushure mekupanana
mhiko dzewanano vachitungamirirwa nemufundisi vakapfekedzana mhete dzewanano mhururu
nemiridzo zvikatetsurwa. Vakazobatirana banga ndokucheka keke ndokuzonzi nemufundisi
vadyisane mhururu nemuridzo ndokuputikazve.

Nguva yezvipo yakasvika vanhu vakabvisa zvakandikanga mukanwa midziyo yemumba nemari
zvakave mavhu nemarara. Muchato wakazopera zuva ropinda munamai varo. Vanhu vakaparara
vachingokurukura nekurongeka kwechiitiko chezuva iri.

KURASIKA KWANDAKAITA MUDHOROBHA

Zvemusi uyu zvakandikanga mate mukanwa nekundibvisa chiri kumeso. Ndakazoti dai ndakaziva
haitungamire.

Pazuva iri ndakazviona kuti ndambakuudzwa akaonekwa nembonje pahuma. Ndaigara ndichirumwa
nzeve kuti ndisayeverwe pakufamba asi ndaiisa zvitanda munzeve. Maiva munaNdira ndakanga
ndaenda kunotenga zvokushandisa panhaka youpenyu.

Zuva rakanga rorova nhongonya pandakarasika muguta reHarare. Ndakarasika nokuda


kwokuyeverwa nechvezwa chaive mune chimwe chitoro. Ndakaranba ndakachitarisa zvokuti dai
chaitaura hameno zvaiitika. Vose vakandiona vakafunga kuti paive nezvikukutu zvandiona.

Hondo yakazouya pakutsvaga mugwagwa wokuti ndichidzokera kumba apa ndaive ndisina
kumbotarisa zita romugwagwa. Mumwe mukadzi akanga adya makisimusi akati kuti ndiye
akazondibatsira. Pakutanga kutsvaga rubatsir ndakambobatwa nenyadzi dzaikunda rufu asi
ndakangozoruma chirebvu. Chokwadi kukurukura hunge wapotswa. Pazuva iri mudzimu wakanga
wadambura mbereko. Ndakapotsa ndaita semunhu arasika njere ndichingomberereka. Mukadzi aive
netsiye nyoro ndiye akazondikwidza mudutavanhu tose nemikwende yangu.

1
Zuva iri haribudi mundangariro dzangu nekuda kwechandakaona musi uyu.

HURUKURO YEMUBEREKI NEMURAIRIDZI PAMUSORO PEMWANA ARIKUITA MISIKANZWA

Amai vakaita chipata-pata nhaka yemakonzo kugadzirira kuenda kuchikoro kwvaive vakokerwa
nyaya yemwana wavo Tadiwa. Tadiwa ainge atemesa varairidzi musoro netsika
dzehunhundiramutsime.

VaZuze : Amai ndakudanirai kuti tiise musoro pamwechete, tiite muonerapamwe chuma
chemuzukuru pamwana wenyu Tadiwa.
Mai Tadiwa: Totobatsirana chokwadi mutoro wacho chero uchirema nokuti kuzvara kwemumwe
ndokwakowo.
VaZuze : Ichokwadi amai asi Tadiwa akandisa tose varairidzi mapfumo pasi nenyaya yokugarira
Maoko pamwe nehunhubu. Hapana kana chidiki chaari kubura muchikoro dai aiteerera
taiwana pokutangira zvino tapererwa.
Amai Tadiwa: ( Vanosimuka pachigarochavo vachiratidza kushushikana.) Aiwa izvi zvinotenderedza
musoro . Saka kungouya kuzopwanya inda chete nhai? Baba vangu Soko. Regai tione
kuchawira tsvimbo nedohwe. Hupenyu ndehwake akaita zvekutamba achadya nhoko
dzezvironda.
VaZuze : Mwana wenyu imharapatsetse chaiyo amai. Kana akanzi ita izvi kungoisa zvake
Zvitanda munzeve onyarara. Kana zvakakwidza anotoseka zvake. Anotoona vadzidzisi
Sevana vane mukaka pamhuno saiye.
Amai Tadiwa: Ndokumbirawo kuona mabhuku ake.
VaZuze : (Vachishamisika) Mabhuku! Tadiwa haana kana nebepa zvaro anongoti mabhuku
Ndirikumashaya.
Amai Tadiwa: Baba vangu kani! Mwana uyu haazive kuti tirikudya nhoko dzezvironda kuti
timuwanire zvinodiwa kuchikoro iye oita zvake mahumbwe akadaro. Arikupi iyezvino?
Ndichamu.....
Havana kuzopedzisa mashoko aya vave kuchema.
VaZuze : Amai kuchema hakuna chiyamuro, ngatiisei musoro pamwechete kuti tibatsire mwana
Uyu.
Mai Tadiwa : Ndine hurombo murairidzi zvangondibatawo. Apa mazobaya dede nemukanwa kuti
Tiise misoro pamwechete. Ini ndinoti anoda kurangwa chete.
VaZuze : Regai ndinomutora.

Nenguva pfupi vaZuze vanouya naTadiwa. Tadiwa kungoti amai vake ba-a anorohwa nehana. Tadiwa
anozvambaradzwa naamai vake pamwe naVaZuze. Anopfira mate pasi achiti haazozvipamhe zvakare
amai vake vanozoenda kumba vanyevenuka moyo.

TSAONA YANDISINGAKANGANWI

Hamawe-e regai vakuru vakati kukurukura hunge wapotswa. Zvezuva iri zvakandikanga mate
mukanwa uye zvaitoda kuzvionera pamhuno sefodya.Waive musi wa4 Zvita 2017.

Pazuva iri ndakapotsa ndagurirwa hupenyu hwangu negurwe remuvengi. Ndakasangana netsaona
yakakandisa mapurisa mapfumo pasi vakati vakaona tsaona zhinji asi kwete yemhando iyi. Tsaona iyi
yakakatyamadza nevaroyi vose. Tsaona iyi yakatora hupenyu hwevanhu vazhinji. Izvi zvakakonzerwa

2
nemutyairi aityaira akahunwa. Musi uyu akaigochera pahutsi vaive vambomutsiura vaitoda musoro
wake. Veduwe chitaurirwa hunyimwa mbare dzokumusana.

Chomusi uyu hapaidanwa anonzwa uye zvaisiririsa. Zvinogarotaurwa kuti vatyairi vasatyaire
vakadhakwa musi uyu takaona mubairo wazvo. Chakarwadza vazhinji ndechekuti aive ayambirwa
ndokuisa zvitanda munzeve.Asi vakuru vakati ndambakuudzwa akaonekwa nembonje pahuma.

Hama dzomutyairi uyu dzakamboedza kunanzva tsoka dzemapurisa asi zvakakona n’anga murapwa
achida. Yakanga yatodeuka kare mvura yemuguchu. Zuva iri ndakapona nepaburi retsono
ndakapotsa ndafuga rangu ndoga.

ZVANDAKASANGANA NAZVO NDICHIFUDZA MOMBE

Chokwadi chitaurirwa hunyimwa mbare dzokumusana . Chemusi uyu chaive chitaurirwa


humhandara hwaamai.

Takaenda kumafuro neshamwari dzangu apo ndaifudza mombe dzasekuru vangu. Pazuva iri takafara
setichadambura nhembe asi gava rakazodamura musungo zuva rorova nhongonya. Sezvo kwaipisa
ini neshamwari dzangu takafunga kutuhwina murwizi. Tiri pakutuhwina ipapo takavarairwa
zvokukanganwa mombe. Patakapedza kutuhwina takaona mombe dzatova mumunda maVaBhasikiti.
Kunozviti ba-a hana yangu yakadhidhidza kurova nokuti mukuru uyu ndaimuziva nokudya magaka
mambishi uye aive mhodzi pakutaura aiita seakatemerwa nyora parurimi.

Kungosvika kwemukuru uyu takazvambaradzwa nemashoko shamhu ichitevera kumashure zvkuti


takashaya kana neromuromo. Seni ndaive nejana rokudzora mombe ndipo pandakaona kuti midzimu
yokwangu yakanga yadambura mbereko. Ndiripakati pokudzora mombe ndakarohwa zvokuti
ndakanzwa parere mwoyo.Ndakambozama kubereka tsoka asi zvakakona n’anga murapwa achida
nokuti murume uyu aive shamwari yemhepo pakumhanya.

Vabereki vangu pandakavaudza vakangosona muromo nokuti vaiziva kuti VaBhasikiti vaidya magaka
mambishi. Zuva iri handirikanganwe kusvika ndaenda kunyikadzimu.

MUSI WANDAKAENDA KUNORINDA MAKUDO

Veduwe-e zvezuva iri zvaitoda kuzvionera pamhuno sefodya. Ndakafumobata jongwe muromo
kugadzirira kuenda kunorinda makudo sezvo aive orura nekuibva kwaive kwaita mbesa.

Pazuva iri ndaifara zvekunge ndichadambura nhembe nokuti raive zuva rangu rokutanga kunorinda
makudo. Zvandakaona musi uyu chaive chisionekwi mudzi webwe. Ndichingonoti pfacha mumunda
ndakaona zihoromba richitodya zvaro chibage rakadekara. Ndakadoedza kuridzinga asi zvakakona
n’anga murapwa achida. Zihoromba iri raive mharapatsetse pachokwadi.

Ndakanga zvino ndachizobatwa nekutya ndodedera sorutsanga rwuri mumvura ndotya kuti pamwe
raizondivinga rikandikuvadza. Ndakarovera mwoyo padombo ndokudaidzira kuna sekuru sezvo
pamba paive pedyo zvokuti vaikwanisa kundinzwa. Pakasvika sekuru mushure mekunge vauya
vachimhanya ndipo parakatanga zvaro kukakanyara zvaro richibuda mumunda.

3
Pandakazoudza sekuru zvaive zvaitika vakaoma mbabvu nekuseka. Ndakazopedzisira ndasekawo asi
zvakaitwa nezihoromba iri zvakanga zvandishayisa zano.

NHIMBE YAKAITWA PAMUSHA PEDU

Hamawe-e vakuru vakareva pavakati kuwanda huuya museve wakapotera pamuzukuru. Zvemusi
uyu chaive chisionekwi humhandara hwaamai, zvaitoda kuzvionera pamhuno sefodya.

Chaingova chipata-pata nhaka yemakonzo kugadzirira nhimbe yokusakura chibage yaive


yadaidzirwa pamusha pedu. Aiwa kutaurirwa hunyimwa mbare dzokumusana. Vanhu vakafumobata
jongwe muromo kuuya pamusha pedu. Nhimbe yakatanga zuva richangobuda munamai
varo.Vanamusiyadzasukwa vakafara sevachadambura nhembe sezvo doro raive rabikwa rakawanda.

Waingonzwa zhowe zhowe remapadza pachivhuvhuta mhepo yekubatana. Chokwadi chakanaka


chakanaka mukaka haurungwi munyu. Zuva parakazorova nhongonya basa rakanga ratopera. Aiwa
kusatenda horoyi.Vanhu ava vakanga vadzimura dzedu dzakanga dzotsva.

Vanhu vachimbonwa masvusvu nekuzorora zvavo pamumvuri , madzimai aibika chaive chipatapata
nhaka yemakonzo kupedzisa kubika sezvo vanhu vapedza vasingafungire. Vanhu vakange zvino
vongodya nyaya vakamirira sadza. Baba ndipo pavakawanamukana wekutenda vanhu vakange
vavadzimura ndebvu dzaive dzotsva.

Zvemusi uyu zvakandikanga mate mukanwa nokuti ndaisaziva kuti vanhu vemudunhu redu
vakabatana zvakadaro. Vose vaidarika nepamunda pedu vakatorwa mwoyonezvaiva zvaitika zuva iri.

REGA ZVIPORE AKABVA MUKUTSVA

Veduwe-e chitaurirwa hunyimwa mbare dzokumusana. Kudya nhoko dzezvironda kwaVaMunatsi


kwaikanga mate mukanwa.

Waingonzwa pamusha pakati zii pachivhuvhuta mhepo yenzara. Nerimwe gore vakaedza kurima
chibage asi zvakakona n’anga murapwa achida nokuti munda wavo waive doro. Chokwadi
zvepamusha apa zvinosiririsa nevaroyi vose. Zuva nezuva vairara nenzara. Hapana aombovaitira tsiye
nyoro nokuti zvinonzi nhamo yeumwe hairambirwi sadza. Vana vavo vaingoruma muromo kuenda
kuchikoro kunyangwe zvazvo vainge vasingabhadharirwe mari yechikoro. Mukuru wechikoro
aivaitira mwoyo chena nekuziva kwavaibva. Mwana wavo wekutanga akanyora bvunzo
ndokubudirira zvainwisa mvura. VaMunatsi vakafara zvokunge vachadambura nhembe. Mwana
akawana vabatsiri vakamudzidzisa ndokuzove chiremba. Akanga overengwa pashangwiti
dzohuchiremba munyika yose.

Akazovaka dzimba dzaitora mwoyo pamusha pavo ndokuisa chibhorani chemvura chakanga
chobatsira ruwa rose. Vanun’una vake vose ndiye akazovadzidzisa.Chokwadi vatana vakareva
pavakati aive madziva ave mazambuko.

Mhuri yavo yakazopfuma zvisina kana mukare akamboona. Vanhu vakanga vongoti rega zvipore
akabva mukutsva.

4
NDAMBAKUUDZWA AKAONEKWA NEMBONJE PAHUMA

Vakuru kana vachitaura vanoita sevane muti mukanwa.Regai zvakanzi miromo yevakuru haiwiri pasi.
Danai aive tsvuuramuromo yemwanasikana asi zuva iri gava rakazodimbura musungo.

Mwana uyu akanga akandisa ambuya vake mapfumo pasi. Chitaurirwa hunyimwa mbare
dzokumusana zvomwana uyu zvaitoda kuzvionera pamhuno sefodya. Danai aibva kuchikoro zuva
rotopinda munamai varo. Ambuya vake vakamutsiura aibva ati zvechembere zvinonetsa.Mwana uyu
aive tsvarakadenga zvokuti mukomana wose aisangana naye haaitadza kucheuka kana kumbomira.
Asiwo aive nechirwere chekuti mukomana wese amupfimba aibvuma.

Hapana kupera mwedzi mitatu atsiurwa naambuya vake zvakasimba, mwanasikana akatsika mwedzi.
Akambotanga achasunga asi zvakazobuda pachena sezvo zvichinzi rine manyanga hariputirwe. Danai
akanga ave nepamuviri pasina baba nokuti vakomana vose vaakada kupomera vakatsika madziro
nepamusana pehunhu hwake. Mwana akachema zuva nezuva akazvirega.Hazvaibatsira sezvo yaive
yadeuka kare mvura yemuguchu.

Pamuviri apa pakapomerwa vakomana vashanu asi kwose kwaaitizira aizvambaradzwa senyoka
yapinda mumba achiudzwa vamwe vakomana vake. Mumwe mukomana akanga ambomutambira
akazoyambirwa nevamwe kuti akambotizira kumwe ndokubva azomutandanisa. Ambuya
vakazongomuti ndambakuudzwa akaonekwa nembonje pahuma.

ZUVA RANDAKABIRWA NEMATSOTSI MUDHOROBHA

Chitaurirwa hunyimwa mbare dzokumusana, izvi zvaitoda kuzvionera pamhuno sefodya. Waive musi
wa 20 Zvita gore rakapera apo ndainge ndaenda kuHarare kuzororo.
Zvandakanosangana nazvo kuHarare zvakandikanga mate mukanwa. Ndakaedza kudaidzira asi
zvakakona n’anga murapwa achida. Yakanga yatodeuka kare mvura yemuguchu. Vanhu
pavakazoungana matsotsi akanga atobereka tsoka. Ndakabirwa mari yandainge ndapihwa kuti
ndizotenga mabhuku okuverenga ndave kudzoka kuzororo.

Ndainge ndasangana nevarume vaviri vaive nepfuti ndokundinongedzeravachiti ndivape mari yose
yandaive nayo. Nekuda hupenyu hwangu rakangova shoko rimwechete ndokuvapa mari yose
yandaive nayo. Moyo wangu wakarwadza nokuti vabereki vangu vainge vabuda dikita nemisodzi
kunditsvakira mari yemabhuku andaida aya. Chokwadi murombo haarove chine nguwo.

Pazvakazopinda munzeve dzaamai vakachema vakazvirega. Baba ndivo vakazongovanyaradza vachiti


chakakosha hupenyu sezvo vaive nepfuti ndingadai ndakaendeswa kwamupfiganebwe.

HURUKURO YATETE VARIKURAYA MUZUKURU WAVO

5
Veduwe-e chitaurirwa hunyimwa mbare dzokumusana. Rudo akafunga zvekutsika tete vake avo
vaigara kwaMutare. Apa vari mubikiro vachirayira mwana wehanzvadzi yavo vachidya kudya
kwemanheru.

Mai Mafo : Mwana wehanzvadzi yangu rega ndikubayire zanhi. Zvaunoona kudai watokura,
Wava kutoda kupinda muusaimba. Takurumura pazamu, chave chigondora chave
Chimombe kutadza kufura hurema hwacho.
Ruvimbo : Riri munzeve vatete. Taurai zvenyu mwana wehanzvadzi yenyu akateerera.
Mai Mafo : Ruvimbo wavhunura kubva muhwana hudiki uchipinda muusaimba. Kunzi mai vemba
Kunzi mushandi. Wotoshanda nesimba nokuti vakare vakati hakuna chinowira
Mukanwa megava rivete.
Ruvimbo : Vatete regai nditi chakanaka chakanaka mukaka haurungwi munyu. Kurayira kwamuri
Kwamuri kundiita kwakanaka chose. Murikundiraya kuti ndigova mudzimai
anoyemurika.
Mai Mafo : Apo wazobaya dede nemukanwa. Munhu unofanira kuva mudzimai anoyemurika.
Unofanirwawo kuroorwa nemunhu waunoziva kuti anozokuchengeta. Mazuvano
Yangova njake-njake saka unofanira kuzvibata.
Ruvimbo : Tete ndichangoita sezvamataura. Zvamurikundiudza izvi amai havazvigone. Chokwadi
Kusatenda huroyi.
Mai Mafo : Zingizi gonyera pamwe maruva enyika haaperi. Ukaita chipfambi unofuga rako wega
Nguva isati yakwana. Vakuru vakati unope hwakatuma kuba. Ndinotizve jinyu
rakazvara bopoto. Unofanira kutaura zvakanaka nevanhu kwose kwaunoenda.
Ruvimbo : Aiwa mazviita tete dzinonzwa hadzirimi.
Mai Mafo : Wozvibata mwana wehanzvadzi ini pangu ndapedza. Usazoputsa sungano, Ruvimbo
mwana wehanzvadzi.
Vanozobva vobuda zvavo mavaitandarira voenda kunorovera matama pasi.

ZVOMUSI UYU ZVAKANDIKANGA MATE MUKANWA


Veduwee zvemusi uyu chaive chisionekwi humhandara hwaamai. Zvaitoda kuzvionera pamhuno
sefodya.

Chido aive shamwari yangu yepamwoyo asi nerimwe zuva akandigumbura. Taive bhurugwa
nebhandi zvokuti vanhu vose vaingozevezerana nezvedu pose pataipfuura.Nerimwe zuva Chido
akandinyepera kuti ndainge ndataura zvakaipa pamusoropemudzidzisi. Chokwadi kutaurirwa
hunyimwa mbare dzokumusana. Ndakaddaidzwa nomudzidzisi ndokundibvunza, ndakashaya
neremuromo nezvandakanzwa. Ndakazama kuvatsanangurira ndichiramba asi zvakakona n’anga
murapwi achida. Yakanga yadeuka kare mvura yemuguchu.

Ndakazvambaradzwa kunge nyoka yapinda mumba pamberi poruzhinji. Nomusi uyu ndakati nyadzi
dzinokunda rufu ndakashaya pokupinda nekunyara. Mudzidzisi akazotaura pamberi poruzhinji kuti
akanga audzwa newangu wepamwoyo. Hushamwari hwakabva hwaenda kwamvura yacheka
makumbo.Veduwee Chido akandigumbura zvikuru. Akambozama kundinyengetedza asi ndakaramba
ndakaomesa mwoyo nekuda kwenyatwa yaaive andipinza.

Zvomusi uyu zvakandikanga mate mukanwa.

NZVIMBO YATAKASHANYIRA SEVANA VECHIKORO


Veduwe-e chakanaka chakanaka mukaka haurungwi munyu. Waive musi wa 28 Gumiguru gore
rakapera apo takanga tashanyira nzvimbo yeVictoria Falls sevana vechikoro.

6
Ndichiona nzvimbo iyi ndakati chokwadi Nyadenga akaisika achine nguva. Takaenda tiri vana
vechikoro makumi maviri nevashanu nevadzidzisi vaviri. Zvokudya parwendo zvaive sharaude.
Pazuva iri hapaidanwa anonzwa.

Zuva iri rakafadza chero nevaroyi vose. Pataiva mudutavanhu ndakabatwa nehope dzemadzitsirira
dzakandikanga mate mukanwa. Bhazi raivhetemeswa zvinemwero.Pandakati kwaku kupepuka
wanike ndainge ndatova kumashure kwenguva vanhu vakanga vatoneta kufadza meso.

Takaona miti yaiita sekunge inogara ichidiridzwa nokusvibira chete. Takaona chivezwa chaDavid
Livingstone uyo akatumidza Mosi-a-Tunya kuti Victoria Falls. Tose takaita kunge tichapindwa ka

Takazoratidzwa guva raCecil John Rhodes. Njere dzangu dzakabva dzamhanya kuchidzidzo chedu
cheSocial Studies. Takaona mhuka dzaive muruzhowa dzataive tisati tamboona vazhinji vedu kubva
chizvarirwo. Izvi zvaitoda kuzvionera pamhuno sefodya.

Zuva iri handirikanganwi kusvikira ndafuga rangu ndoga. Takazodzokera kuchikoro tagutsa meso uye
takatorwa mifananidzo yekuzonoratidza hama neshamwari.

MUSI WANDAKAPONA NEPABURI RETSONO


Hamawe-e chitaurirwa hunyimwa sembare dzokumusana. Waive musi wa 2 Zvita apo ndaienda
kuzororo kuHarare.

Pazuva iri ndakapotsa ndagurirwa hupenyu hwangu negurwe remuvengi. Ndakasangana netsaona
yakakandisa mapurisa ose mapfumo pasi. Chokwadi kukurukura hunge wapotswa. Tsaona iyi
yakatora hupenyu hwevanhu vazhinji.Izvi zvakakonzerwa nemutyairi aityaira akahunwa. Akanga
aigochera pautsi. Akatongerwa kugara mutorongo hupenyu hwake hwose.

Chemusi uyu chaiva chisionekwi mudzi webwe. Zviya zvinogarotaurwa kuti mutyairi
asatyaireakadakwa harisi dambe. Regai vakuru vakati ndambakuudzwa akaonekwa nembonje
pahuma. Yakanga yatodeuka kare mvura yemuguchu.

Zuva iri haribvi mundangariro dzangu nokuti ndakapotsa ndaenda kwamupfiganebwe.

AIVA MADZIVA AVA MAZAMBUKO


Pasichigare pasi pasati parohwa nenyundo paive neimwe mhuri yakanga yakapfuma zvisina kana
mukare akamboona. Hupfumi hwaiva nemhuri iyi hwaikanga mate mukanwa. Chokwadi kutauri rwa
hunyimwa mbare dzokumusana izvi zvaitoda kuzvionera pamhuno sefodya.

Mhuri iyi yaive nedzimba zhinji kwazvo uye motokari. Vamwe vaiti zvinhu izvi zvaisava zvokupihwa
naIshe Samatenga asi kuromba. Vanhu vazhinji vaitoenda kumaricho ikoko kuti vakwanise
kuraramisa mhuri dzavo. Vana vepamba apa vaitsenga mvura ichibuda masvisvinwa. Vaiendeswa
kuzvikoro zvaibhadharwa mazakwatira emadhora.

Samusha vepamusha apa vaitaura mashoko akaipa kuvana vachine mukaka pamhuno. Mudunhu
rose hapana aivafarira. Kunyangwe zvakadaro nekuda kwekudya nhoko dzezvironda vanhu vaienda
kunovashandira kuti vawane chouviri.

7
Nerimwe gore kwakaita jambwa rekushaya mvura mbesa dzose dzikafa . Hapana kana akakwanisa
kuwana kana tumasundachando zvatwo. Nokudaro vakatanga kutengesa pfuma yavo kuti variritire
mhuri sezvo yaive yakakura. Hupfumi hwakatanga kuparara kutozopedzisira voshaya kana
yokuendesa vana kuchikoro. Regai vakuru vakati aive madziva ave mazambuko.

Vanasikana vakaona kuti zvakanga zvaoma ndokutanga kutiza mukumbo. Nhamo mumhuri iyi
yakanga yaita zvokuuya ichibvira moto.Mhuri iyi yakanga yave kudya nhoko dzezvironda zvaipisa
tsitsi nevaroyi vose.Kunyangwe zvakadaro vamwe vaiti nhamo yeumwe hairambirwi sadza.

Regai vatana vakati aiva madziva ave mazambuko.

HURUKURO YEMUPURISA NEMUKADZI AINGE ARASA MWANA


Amai Zindoga vakaita pamuviri pasina baba.Pavakasununguka mwana wavo vakabva vamurasa asi
vakanga vaigochera pautsi. Vakabva vabatwa nanamugaradzakasungwa.

Mupurisa : Amai pamuviri penyu muchinapo here kana kuti pakagurwa negurwe?
Amai : (Vachikakama) Nda-ndakasununguka mwanasikana.
Mupurisa : Saka akafuga rake oga here? Ko mwana uyu ndewani?
Amai : Ndewangu. (Vavakuchema uye kutya)
Mupurisa : (Nehasha) Amai muchine hope muchanatsotaura nyaya yenyu yose.
Amai : Chokwadi ndinokumbira ruregerero , mwna uyu ndakamuwana nenzira isiriyo ndakaita
gumbo mumba gumbo panze. Apa murume wangu arimhiri kwemakungwa uye anodya
marasha. Pandakaenda kumuridzi wepamuviri akatsika madziro ndokushaya kuti ndodii
nemwana uyu.
Mupurisa akakangwa mate mukanwa netsanangudzo yaamai ava. Ndokumbosona muromo achizeya
nyaya iyi.
Mupurisa : Hoo-o mati mwana haasi wemurume wenyu? Saka makabva maona kuti zvakanaka
Kurasa mwana? Maimboitirei chipfambi? Saka ndiani baba vemwana uyu?
Amai : Ndevamwe baba vandakavakidzana navo? Asi ndapota ngazvichingoperera pano
Mopedzerana neni mupari wemhosva.
Mupurisa : Ende amai makaoma ndimi nhundiramutsime dzatigere nadzo munharaunda muno. Saka
Manga muchiti zvicharova. Mhosva hairovi amai. Chisi hachieri musi wacharimwa.
( Vachitambidzwa mwana) . Amai ndoda kuti munotaura nyaya yenyu muri kutirongo.
Yamwisai mwana wenyu apo!
Amai : Chokwadi mandibaya nebanga rinorwadza. Inga vakuru vakati chapinda kamwe
Hachiteyiwi. Dai mangondiregererawo kana mari ndinobhadhara hangu.
Mupurisa : Aaaaa amai makutobatwa nemhosva yechipiri yekuda kupa mupurisa chiokomuhomwe
Handei kukamba tinopedzera nyaya yenyu ikoko?
Amai Zindoga vakazotongerwa kugara mutirongo kwemwedzi mitanhatu. Vematare vaiti
vakavanzwira tsitsi kuti imhosva yokutanga uye vaida kuvapa nguva yokuzorera kacheche vasiri
mutirongo.

KUKOSHA KWEMUBEREKI PAKUDZIDZA KWEMWANA


Veduwe-e chakanaka chakanaka mukaka haurungwi munyu. Vabereki ndiwo musimboti wemwana
wese anoenda kuchikoro.

Kazhinji vabereki vanotoruma chirebvu kuriritira vezvikoro nekuti zvinodiwa kuzvikoro zvizhinji.
Vabereki vakangogarira maoko vanozoerekana zvinhu zvave manyama amire nerongo. Mwana

8
wechikoro nerimwewo divi tinotarisira kuti vanofanira kushanda nesimba nekuremekedza vabereki
nokuti vakasavaremekedza vakagumbuka zvinhu zvinoita manyama amire nerongo.

Mubereki wese anotoshingirira kuendesa mwana kuchikoro kuti azomuchengetawo mangwana


nokuti zvinonzi chirere mangwana chigokurerawo. Vabereki vanotengera vana zvokushandisa
kuchikoro zvakafanana nemabhuku okuverenga nokunyorera, zvokunyoresa, zvokudya ue zvipfeko.
Mwana akanzi adzorwa kuchikoro vabereki vanoonekwa vachiita chipatapata nhaka yemakonzo
kutsvaga ndarama kuti vana vadzokere kuchikoro. Vamwe vabereki vanotosvika pakudya nhoko
dzezvironda mushure mekubhadhara mari dzezvikoro ndopoozoona vamwe vana voita
zvekutungana kwembudzi.

Kumaruwa unoona vabereki vazhinji vachifumobata jongwe muromo kuenda kumaricho kuti vawane
chouviri. Vamwewo ndovanobinduka kurima vamwe vachitengesa kuti vana vawanirwe zvinodiwa
kuchikoro. Vamwe vanotosvika pakuvharisa matanga zvipfuwo zvapera vachitengesera mari
dzezvikoro.

Basa rinobatwa nevabereki iri rinotoda kutendwa nokuti ndivo hwaro hweupenyu hwedu tose. Uye
vanokoshesa dzidzo yevana vavo nekuziva kuti dzidzo ndiyo musimboti weupenyu.

BUDIRIRO IRIKUITIKA MUDUNHU REDU


Veduwe-e vakare vakareva pavakati kuwanda huuya museve wakapotera pamuzukuru. Mudunhu
medu vanhu vakabatana kuita budiriro inofadza meso.

Mudunhu redu vanhu vazhinji vakanga vatsamira churu nokuti kwezvirwere. Zvirwere zvizhinji
zvacho zvaikonzerwa nokunwa mvura ine utachiwana. Vamwe varume vashoma vakambozama
kuchera chibhorani asi zvakakona n’anga murapwa achida nokuti chara chimwe hachitswanyi inda.
Vanhu vakazoita muonerapamwe chuma chemuzukuru ndokubvisa mari ine chitsama. Ndizvo
zvakazobatsiridza kuti chibhorani chivepo.

Pakuvaka chibhorani ichi vanhu vakatoruma chirebvu nokuti zvinhu zvaiva manyama amire nerongo.
Sezvineiwo midzimu haina kuzodambura mbereko zvinhu zvakafamba negwara rakanaka
ndokubudirira.Parizvino vanhu vave kunwa mvura yakashambidzika uye zvirwere zvataramuka.

Kuwanika wemvura iyi kwakazarura mikana mizhinji sezvo vanhu vave kukwanisa kuita mapindu
pamwe nokukanya zvidhinha zvokuvakisa. Vamwewo vatanga mishandirapamwe yekuchengeta
huku, nguruve, mbudzi nezvimwewo zvipfuwo. Iye zvino zvinhu zvangova muchechetere mvura
yamuguvi. Munhu wase wemudunhu redu arikungoti wedenga akanzwa miteuro yedu.

Dunhu redu rose parizvino tirikufara setichadambura nhembe. Tinotendawo sadunhu wedu
akatungamirira budiriro iyi. Chokwadi chakanaka chakanaka mukaka haurungwi munyu.

MUSI WANDAKANYARA ZVIKURU


Waive musi wa25 Zvita pandakafumobata jongwe muromo kugadzirira mhemberero dzemusi
wekisimusi. Zuva iri raive rakashongedzwa nezuva netumakore twaiva twakapararira nedenga.
Kwaive nekamhepo kaivhuvhuta zvinyoro nyoro zvakandipa tariro yekuti raizove zuva rakanaka.

Pazuva iri ndainge ndakafarisa zvokunge ndichadambura nhembe. Ndainge ndakataurira shamwari
dzangu kuti vachaona shangu dzandainge ndakatengera chiitiko chemusi uyu, zvokuti vose
vaidokwairira kuda kudziona. Chitaurirwa hunyimwa mbare dzokumusana zvomusi uyu zvaida

9
kuzvionera pamhuno sefodya. Gava rakazodambura musungo ndiri pakati pemafaro. Shangu
dzandaidada nadzo dzakabvaruka zvakandikanga mate mukanwa. Shangu idzi ndaive ndakadzitenga
nokuda kwerunako rwadzo . Apa handina kuziva kuti kwaingova kutsvukira kweguyu mukati muine
masvosve.

Shangu idzi dzakabvaruka ndiri pakati pekufamba neshamwari dzangu. Vanhu vakaseka zvokuti
ndakaziva kuti nyadzi dzinokunda rufu. Vaiti havasati vamboona shangu itsva dzinobvaruka
mubvarukiro wakadaro. Ndakanyara zvokuti ndakati dai pasi pandimedza zvapo.

Ndaive ndiri munhu asina ganda kumeso asi musi uyu ndakanyara zvikuru. Zuva iri handirikanganwi
kusvika ndafuga rangu ndoga.

GORE RENZARA
Hamawe-e kukurukura hunge wapotswa zvegore iri zvaitoda kuzvionera pamhuno sefodya.

Mugore ra 2008 munharaunda yedu yeGuruve makaita nzara yaikanga mate mukanwa. Nyadenga
vakanga varambira nemisodzi yavo yedenga. Vanhu vakangokohwa tumasundachando chete gore
rainge rapfuura. Nzara yakati zvino yotsviriridza munyika yose waingonzwa pamusha poga poga
pakati zii pachivhuvhuta mhepo yenzara. Chokwadi chitaurirwa hunyimwa mbare dzokumusana
vanhu vazhinjivakafuga avo voga. Veduwee zvegore iri chaiva chisionekwi humhandara hwaamai.

Vanaambuya vakatanga kunochera manyanya ndokudzidzisa vazukuru nevaroora kubikwa kwawo.


Aiwa kuziva mbuya huudzwa chokwadi. Vakuru vehurumende vakatenderedzwa misoro nenyaya iyi
asi vakazoita muonerapamwe chuma chomuzukuru vakatsvaga rubatsiro kune dzimwe nyika.
Takazowanirwa rubatsiro rwezvokudya kumapazi asiri ehurumende anobatsira vanotambura tose
tikararama.

Chokwadi gore iri handirikanganwe kusvika ndaenda kunyikadzimu.

ZUVA RAKAROORA HANZVADZI YANGU


Mhuri yose takafuma tichingoita chipatapata nhaka yemakonzo kugadzirira kuroora kwehanzvadzi
yangu Timothy.

Mwana waamai vangu akafunga kuroora nenzira yekukumbira sezvo iri nzira ine chiremera uye
inopa vabereki manyemwe pane kutizisa mukumbo. Chokwadi chakanaka chakanaka mukaka
haurungwi munyu. Musikana waairoora ainzi Chipo. Mwana uyu aive tsvarakadenga chigagairwa
chomwanasikana. Musi uyu takafara setichadambura nhembe. Takasvika pamusha paVaMoyo
panova pakaberekerwa Chipo zuva roda kurova nhongonya. Takawana vakakoka hama neshamwari
vaive mavhu nemarara.

Chero zvedu tose takafara amai vangu vakafarira muroora wavo mutsva zvokunge vachabata denga.
Hanzvadzi yangu akanga ave nenguva refu achigadzirira zuva iri saka mari nezvokudya zvezuva iri
zvainge zvisingazivani. Munyai paaiuya achizivisa mari dzaidiwa tiri muimba yatainge tapihwa
pamusha paVaMoyo hanzvadzi yangu yaingoti ibviswe zvisi nanyunyuto nekuti aiti Chipomaive
mwana akabva kuvanhu saka zvaimugutsa kubvisa zvose zvidiwa.

Zvezuva iri zvakafadza chero nevaroyi vose. Pakapedza kubviswa zvese zvaidiwa mhururu
nemheterwa zvakatsva mudzimai ndokunzi asangane nemhuri yekwake itsva. Takabva pamusha
paVaMoyo zuva ronanzva makomo tichizvitutumadza nezvaive zvaitwa newekwedu.

10
ZUVA RAKABATWA MBAVHA PANEUMWE MUSHA
Veduwee zvemusi uyu zvaiva chisionekwi humhandara hwaamai. Zvaitoda kuzvionera pamhuno
sefodya.
Tapiwa akanga akandisa vanhu mapfumo pasi nepamusana peruoko rurefu. Vanotaura nekuziva
vekwake vanoti mwana uyu ndibaba vake chaivo igavi rakabva kumasvuuriro. Regai vakuru vakati
mbudzi kudya mufenje hufananyina. Mwana uyu vanhu vaingoti vakangomuona votogara
vakachenjerera padzimba.

Nerimwe zuva gava rakazodambua musungo. Tapiwa akawanikidzwa akagukuchira mbatya neimwe
midziyo mumba maVaMoyo. Apa akanga atamba nematope pasina mvura nekuti VaMoyo
vaizivikanwa nekudya magaka mambishi. Nharaunda yose yaiziva kuti VaMoyo vaive mhodzi
pakutaura, vainge vakatemerwa nyura parurimi. Tapiwa kungovati ba-a , mwana akarohwa nehana
ndokuziva kuti ainge aigochera pautsi.

VaMoyo zvino vakanga vadumbirwa nehasha. Mwana akarohwa mabhakeranzombe maviri


ndokuwira pasi ropa richibuda mumhuno pakarepo. Tapihwa akarohwa senyoka yapinda mumba.
Vanhu vakatanga vachaseka asi vakazopedzisira vangoti zii vachimunzwira tsitsi. Kuti vadzive
VaMoyo vaidaidzira kuti aingosvika pedyo atopindawo muhondo yacho aigona kungofuka rake oga.

Kurohwa kwakaita mukomana uyu hakuna kana mukare akambokuona. Aiwa chitaurirwa hunyimwa
mbare dzokumusana. Mwana akatozoregwa asisagoni kana nokuchema. Kubva zuva iri nharaunda
yose nyaya dzokuba dzakambopera.

ZUVA RANDAKATANGA KUPINDA MUGUTA


Hamawe- e chitaurirwa hunyimwa mbare dzokumusana. Pazuva iri ndaifara zvokunge
ndichadambura nhembe.

Waive musi wa6 Zvita gore raka pera apo ndakafumobata jongwe muromo kugadzirira kuenda
kuguta reHarare. Zvandakanoonako zvakandikanga mate mukanwa. Patakasvikako nguva
dzerudziyakamwe vanhu vakanga vatova mavhu nemarara muguta rose. Sezvo raive zuva rangu
rokutanga kupinda mudhorobha ndaive mudenga rechinomwe nekufara.

Musi uyu ndainge ndapihwa mari yokunozvitengera zvandaida sezvo ndaive ndabudirira zvainwisa
mvura pazvidzidzo zvangu kuchikoro. Ndakange ndichitombobatwa nechiyeverwa nokuti
zvandakaona ndainge ndisati ndambosangana nazvo muupenyu hwangu. Haungazoti imotokari
nemawandiro adzaive dzakaita mafambiro acho waitofamba wakaringa nzira. Zvemusi uyu zvaitoda
kuzvionera pamhuno sefodya.

Kuti ndichitenga zvandaida ndainge ndotoshaya pokutangira haungazoti kuwanda kwezvitoro ikoko.
Ndakatozopona nekubvunza nekubatsirwa nevamwe asi ndakangwarira matsotsi sezvo ndainge
ndayambirwa. Ndakazobuda mudhoorobha ndomhanyira kunobata dutavanhu rekwedu asi
ndakasiya ngoma ichirira.

ZUVA RANDAKADYISA MUMUNDA NEMOMBE

11
Sezvo ndaive nedzoro remombe ndakafumogadzirira mbuva yangu yechibage chinyoro chakabikwa
ndokukanga imwe miguri. Raive zhizha saka zvokudya raive sharaude nzungu nyuoro ndakakangawo
ndokurongedzera munhava yangu.

Ndakaenda kumafuro nemombe dzedu nedzemuvakaidzani wedu . Zuva iri ndakangomuka


ndakafarisa zvekutoda kudambura nhembe nekuda kwezvipfeko zvandaive ndatengerwa namukoma
wangu aishandira kuguta. Gava rakazodambura musungo zuva rorova nhongonya. Sezvo kwaipisa
takafurirana kunotuhwina neshamwari dzangu. Takayeverwa zvokukanganwa mombe patakazoti
bengenu takawana mombe dziri mumunda maVaChipare. Ndipo pandakaona kuti yatapara yaive
huru nokuti murume uyu aidya magaka mambishi uye aive mhodzi pakutaura aiita seakatemerwa
nyora parurimi.

Nenguva isipi murume akasvika achifemera pamusoro sendere. Akatizvambaradza nemashoko


zvokuti takashaya kana romuromo. Takatanga zvino kunyahwaira tichinodzora mombe tichishaya
pokupinda nenyadzi. Paakazotidaidza ndipo patakaziva kuti midzimu yaive yadambura mbereko.
Takamboda kubereka tsoka ndokuziva kuti nyaya yacho hataizoigona . Takazvambaradzwa senyoka
dzainge dzapinda mumba.

Musi uyu ndakavimbisa kuti handaizozvipamhidza zvakare nokuti takazvambaradzwa kusvika


tisisagone nekuchema. Ndiro zuvz randakadyisa mumunda nemombe.

TSAMBA

Mucherengi Primary School


Private Bag 7620
Mvurwi

29 Nyamavhuvhu 2018

Amai Munodiwa

Ndanyora tsamba ino nokuti ndinoda kuturira nhunha dzangu kwmuri amai nyakubereka. Sezvo
murimi nyakutumbura pamwe mungandiruma nzeve kuti ndodii.

Vakuru vakati usazoyeuka bako wanaiwa. Vakatizve mwana asingacheme anofira mumbereko. Pane
nyaya irikundishayisa mufaro nehope. Mutsigo wangu waneta nekudiridzirwa nemisodzi. Pane
dasvanana rejaya rakasiya chikoro riri kundida. Gomana iri ririkuti sezvo ndarongedza chipfuva
ndinokwanisa kuva amai vemba.

Zvino ini ndakariti handingadzinganisi tsuro mbiri, asi ririkunditi ndikasarida richandibaya kana
kuniuraya nebanga. Ndakamboti rega ndirinyararire nekuridzikamira asi ririkuramba
richindishungurudza. Ndakamboudza vanasorojena vanonzwisisa ndivo vakandipa zano rokuti
ndikunyorerei gwaro rino.

12
Ndirikumbozama kuramba ndichinyengetera kuti musikavanhu andikundise pamuedzo uyu asi mazwi
ave kusvika pakupera. Misodzi zvino yave kungogara iri mokoto mokoto pamatama angu. Imwe
pfungwa yakambonditi bvuma zvingopera asi mwoyo wakaramba. Nyaya iyi irikundishungurudza
zvokuti ndogona kufoira gwaro randiri rino. Ndati ndikusumeeiwo mundibatsirewo pajambwa iri.

Mufarise baba, sekuru nevamwe vose vanondiziva ikoko.

Wenyu mwana arikushushikana

Britney

Mucherengi Primary School


Private Bag 7620
Mvurwi

29 Nyamavhuvhu 2018

Wadiwa Amai

Ndanyora tsamba ino kuti ndikuzivisei zvirikundidya mwoyo kuno kumusha siku nesikati.

Amai , chokwadi kurarama musipo wave mutoro urikundiremera zvikuru. Baba vakazoroora umwe
mukadzi imba ndokupfuta moto nemwana mukomana. Pamakaenda zvinhu zvakabva zvangosara
ave manyama amire nerongo. Ndipo pandakakabva ndawira mugomba rerufuse.

Baba vave kundisema sezvo vakabva vawana mwanakomana waavaida nguva yose iya. Vave kuddiita
semuranda asina kwokurevere nhunha dzake. Zuva parinobuda, ndinonongedzerwa mabasa gumi
nefararira vachiti ndiko kuti ndidzidze mabasa ehupenyu hwangu hwandichagara mberi. Izvi
zvirikundibaya nekundidya mwoyo.

Mari yose yamuri kunditumira baba varikuitswanya nemukadzi wavo nemwanakomana wavo. Baba
havasi kundibhadharira mari yechikoro . Ndinogara ndichichemera mudumbu sembwa nekuti
kutaura nhunha dzangu kwavari vanoisa zvitanda munzeve. Izvi zvavekuita kuti ndidzamise
ndangariro uye kuti ndifunge kuti kuva pwere uranda panyika.

Mukadzi wavo anoita zvinorova pandiri sezvo achiona baba vangu nyakubereka vachindibata neseri
kweruoko. Havasarudze chekundirova nacho tyava, shamhu, mibhadha chero chiripedyo
chavanenge vangobata sevari kurova mhuka. Kana vorova ndorohwa senyoka yapinda mumaba.

Misodzi ndiyo nhaka yangu yamakandisiira kuno kumusha. Baba havasi kunditengerawo kana
zvipfeko chaizvo. Ndava kuita sendichadyiwa magadziko nembwa kana ndichifamba sezvo hembe
dzangu angova marengenya. Zvinhu izvi zvirikundisunga ndangariro kunyanya kuchikoro nokuti
ndinogara ndichingofunga hunhapwa hwandiri kurarama nguva dzose. Dzimwe nguva ndinoshuva
kuita gora rinogara zvaro musango musina vanhu nokuti ndinoona vanwe vangu vakashonga nhmbi
dzinotora mwoyo.

Mwana asingacheme anofira mumbereko. Ndati nditurirewo kwamuri amai vangu nyakutumbura
zvirkundidya mwoyo. Izvozvi tamba iyi ndanyora misodzi iri pamatama.

13
Wenyu mwana arikushushikana

Laura

Mucherengi Primary School


Private Bag 7620
Mvurwi

4 Chikunguru 2017

Wadiwa Liana

Shamwari ndanyora tsamba ino ndichirwadziwa nokuti ndakanzwa kuti wava noruoko. Liana
akuruma nzeve ndewako, rega ndikubayire zanhi.

Amai vako vakandichayira nhare vachiti urikuisa zvitanda munzeve. Shamwari zvibate muromo
wevakuru hauwire pasi. Uku kuzvisikira moto muziso kwauri kuita. Kuba kwakaipa nokuti mhedzisiro
unozofuka rako wega. Zviito zvko zvirikundidya mwoyo, unoziva iwe kuti Matinetsa akazozvisungirira
otya kuenda kujeri zvinhu zvave manyama amire nerongo. Shamwari dzamisa mindangariro yako
usazoyeuka bako wanaiwa.

Iwe uchiri kutemwa dzinobva ropa usade kuzvigurira upenyu hwako munzira nezvokutungana
kwembudzi. Chaunoshaya chiiko nhaiwe svita yemwoyo wangu? Uchagadzirwa ukazopedzisira wave
chirema. Aiwa humbavha hwako hwandikandisa mapfumo pasi.Shamwari kana uchitsiurwa
unofanira kuteerera nokuti ndambakuudzwa akaonekwa nembonje pahuma. Ndingafare kwazvo
ukasvipa tsika iyi.

Ndinovimba wazvinzwa zvandakutiura. Ukasateerera unozozvionera pamhuno sefodya.

Ndini anokuda

Fortunate

Mucherengi Primary School


Private Bag 7620
Mvurwi

30 Chivabvu 2017

Mumiriri wedunhu Muparamende


Guruve South Constituency
PO Box 189
Guruve

Changamire

DONZVO: KUTENDA PAMUSORO PEZVAMAKAITA MUDUNHU REDU

14
Ndanyora tamba iyi ndichikutendai nokutipa zvokudya uye kutivakira chibhorani. Chokwadi
kusatenda huroyi makatiitira zvinhu zvisina kana mukare akamboona. Regai nditi chakanaka
chakanaka mukaka haurungwi nemunyu.

Makaita zvakanaka kwazvo nokuti mudunhu reguruve Nyadenga akanga arambira nemisodzi yake.
Gore rakanga rapfuura vanhu vakanga vangikohwa tumasundachando chete takanga tafunga kuti
midzimu yakanga yadambura mbereko. Vanhu vaitopona nemanyanya izvi zvakakonzera zvirwere
zvizhinji nokuti takanga tisina kudya kunovaka muviri. Takakumbira rubatsiro kubva kwamuri
mukabva matibatsira. Zvinonzi kutenda kwakiti kurimumoyo asi ini ndangoti regai ndinyore tsamba
ino ndichitenda.

Waiti ukasvika pamusha wega wega waingonzwa pakati zii pachivhuvhuta mhepo yenzara asi
makazopedza dambudziko iri. Zvekare ndirikutenda kuvaka kwamakaita chibhorani. Tava kunwa
mvura yakachena. Takamboita muonerapamwe chuma chemuzukuru tikabvisa mari shoma shoma
kuti tivake chibhorani. Zvakakona n’anga murapwi achida nokuti yakanga isingakwani.

Ndinovimba muchatambira kutenda kwangu nedunhu redu nemufaro.

Ndini akavimbika

Fortunate Rikoto

Mucherengi Primary School


Private Bag 7620
Mvurwi

1 Kukadzi 2017

Wadiwa Erna

Ndafara kunyora tsamba iyi ndichikukorokotedza nekubudirira kwawakaita pabvunzo yawakanyora.

Pazvakapinda munzeve dzangu munin’ina ndakafara sendichadambura nhembe. Ndakanzwa misodzi


yangu ichiti mokoto mumatama nemufaro wakandizadza Kana pawakanyora ndaingoziva kuti uri
mhare. Chimbofunga paya pawaishairwa mari yokuenderera mberi.. nedzidzo asi waingoruma
chirebvu kuenda kumaricho. Chokwadi regai zvinzi apunyaira haashayi misodzi.

Mhuri yose irikufaraseichabata denga nechishamiso chawakaita. Pauchauya kuno ndakakurongera


mabiko zvekuti uchaputika dumbu nekudya. Mwana wamainini vangu, wakaita zvakanaka. Aiwa
chakanaka chakanaka mukaka haurungwi munyu. Ndinokushuwira rombo rakanaka kuti pasazoita
gurwe rinodimbura njere dzako.

Ukwazise shamwari dzako dzakaita saRudo naTanatswa.

Ndine akazara nemufaro

Fortunate

Mucherengi Primary School

15
Private Bag 7620
Mvurwi

13 Kukadzi 2017

Chifamba Primary School


Private Bag 7620
Guruve

Changamire

DONZVO: KUKUMBIRA POKUVATA

Ndanyora tsamba ino ndichikumbira pokuvata patichashanya sechikwata chevadzidzi. Ndanyora


ndakamirira vana verugwaro rwechinomwe vane kero iri pamusoro. Tiri chikwata chevana makumi
maviri tive makumi maviri nemaviri.

Tinoda kuuya kuzodzidza pamusoro pezvokurima. Takanzwa kuti munezvombo zvinoshandiswa


pamamiriro ekunze. Ndokusaka tada kushanyira chikoro chenyu nokuti tinoda kuzvionera pamhuno
sefodya. Sevanhu vanoda kuvavarira kuve mhare tichada kuzoona kuchengeta kwamunoita mhuka
uye kurima kwamunoita mubindu. Tinoda kushanya musi wa 16 kukadzi. Kana zuva iri
musingaritendere munosarudza ramunoona rakafanira.Tichada kuvata kwemazuva maviri.

Ndinovimba muchatambira chikumbiro chedu. Ndingafara kunzwa zvamunotarisira kuvashanyi uye


muripo wepatichavata.

Wenyu anovimbika

Fortunate Rikoto

Mucherengi Primary School


Private Bag 7620
Mvurwi

Kumukuru wekambani
Bata Shoe Company
PO Box 70
Gweru

DONZVO: NYUNYUTO PAMUSORO PESHANGU DZANDAKATENGA

Ndanyora tsamba ino ndichinyunyuta pamusoro peshangu dzandakatenga pakambani yenyu. Waiva
musi wa 24 Kukadzi apo ndakatenga shangu dzakaisvonaka kwazvo. Apa handina kuziva kuti
kwaingova kutsvukira kweguyu asi mukati muine masvosve.

Nemusi wa2 Kurume ndakafumoita chipatapata nhaka yemakonzo kugadzirira kuenda kuchiteshi.
Ndiri pakati pokufamba shangu dzakabva dzabvaruka zvaikanga mate mukanwa. Vanhu vose
vakandiseka zvokuti ndakashaya pokupinda nenyadzi. Musi uyu ndakaziva kuti nyadzi dzinokunda
rufu. Ndati ndikuzivisei nokuti vatana vakati mwana asingacheme anofira mumbereko. Chishuwo

16
changu ndechekuti mundipewo shangu dzakanaka sezvo ndichivimba nekambani yenyu kuti
inogadzira zvakasimba. Kana zvisingakwanisiki kundipa dzimwe shangu kana kundidzoserawo mari
yangu.

Ndinovimba kuti muchatambira chichemo changu nekundibatsirawo zvakafanira.

Wenyu anovimbika

Fortunate Rikoto

Mucherengi Primary School


Private Bag 7620
Mvurwi

13 Chikumi 2019

Mumiriri wedunhu Muparamende


Guruve South Constituency
P.O Box 70
Guruve

Changamire

DONZVO: MATAMBUDZIKO ATIRI KUSANGANA NAWO MUDUNHU MEDU

Ndanyora tsamba iyi ndichikuzivisai matambudziko atiri kusangana nawo munharaunda medu. Zuva
roga roga vanhu vazhinji varikutofuga avo voga nekuda kwenzara.

Munharaunda yose yeGuruve nenzvimbo dzakakomberedza Nyadenga akarambira nemisodzi yake.


Gore rakapera vanhu vakangokohwa tumasundachando chete saka zvinhu zvitori manyama amire
nerongo. Chokwadi tirikudya nhoko dzezvironda. Vanhu varikutopona nemanyanya. Izvi zviri
kukonzera zvirwere zvizhinji nokuti hatisi kuwana zvokudya zvinovaka muviri. Tinokumbirawo
rubatsiro semumiriri wedu muparamende nekuti mwana asingacheme anofira mumbereko. Tose
tave kungochema nemi nekuti zvakuita sekunge hamusi kuticheuka. Makasvika pamusha woga woga
munharaunda menyu muchaona kuti parikungovhuvhuta mhepo yenzara.

Rimwe dambudziko rakatiwira nekushayika kwemvura nderokuti vanhu havasi kunwa mvura
yakachena. Takamboita muonerapamwe chuma chomuzukuru ndokubvisa mari yokuti ticherese
chibhorani asi zvakakona n’anga murapwa achida nokuti mari yacho yakaita shoma.

Ndinovimba muchatambira nhunha dzedu nekutibatsirawo nenguva yakafanira.

Ndini akavimbika

Fortunate Rikoto

17
18

You might also like