Shona Cala Sample
Shona Cala Sample
Shona Cala Sample
Dingani Publishers
Between 10th & 11th Avenue
Robert Mugabe, Bulawayo
All rights reserved. No part of this book may be reproduced or utilized in any form or
by any means, electronic or mechanical, including photocopying, recording or by an
information storage and retrieval system, without permission in writing from the
Publisher. Inquiries should be addressed to Dingani Publishers.
2
RUZIVO NECHENJEDZO PAMUSORO PEMACALA
MaCALA zvipimo zvekudzidza kwevadzidzi kwenguva refu tichitarisa bumbiro ravo
rechidzidzo, nekudaro anofanira kuitwa kubva fomu yokutanga kana tiri kutaura
zvesekondari. Mabumbiro ezvidzidzo mukaatarisa haasisina kunzi fomu 1 ne2 kana
kuti 3 ne4, tongoti hapasisina ZJC neO’ LEVEL zvakaparadzana, pave nemabumbiro
akanzi fomu 1 – 4. Kureva kuti bumbiro iri rave kutotangirwa kufomu yekutanga.
NB: Kana maCALA akasanoitwa kubva fomu yekutanga, haazonyanyi kupa basa
kana kuti haazonyanyi kuwandira pafomu yechina. Zvakanaka kuti vana vaite
maCALA kubva ari fomu yekutanga. Zvino vazhinji vachine pfungwa yekuti
maCALA anotangira pafomu yechitatu chete, zvinova zviri kuzoita kuti vafe
nebasa panguva yokupedzisira
3
NHUNGAMIDZO
Basa remaCALA rine basa rekuti vadzidzisi nevadzidzi vaite basa kuti ZIMSEC nemapazi
anoona nezvedzidzo agoona basa rakaitwa pakupera kwedanho regore rechinomwe,
fomu yechina kana fomu yetanhatu. Padanho rino takanangana nevadzidzi vesekondari.
CALA twubasa twudiki twakanangana nekutsvaga pane dambudziko nekuti ringapedzwe
sei. Panogona kunge pasina dambudziko asi kuti pachida kuonekwa unyanzvi hwekuti
chinoitwa sei kana kuti chingachengetedzwe kana kusimudzirwa sei. CALA aya anobva
mubumbiro rechidzidzo. Kubva pumusoro wega wega wezvinofanira kudzidzwa
mubumbiro rechidzidzo, panobuda CALA kana maCALA. Panodiwa unyanzvi
hwekuumba misoro yetsvagurudzo chete. Pane tsvagurudzo inoda kuitwa
pazvirungamutauro, mamumbirwo emutauro, misambo, nzwisiso, pfupiso kana
rondedzero. Ndizvo zvimwe chetewo nekuuvaranomwe takanangana nezvinofanira
kudzidzwa kunyanya zvinyukwa zvine chekuita netsika nemagariro evanhu ekare
naanhasi. Harisi basa rinofanirwa kurema kunge purojekiti yekuyunivhesiti, ngaive
tsvagurudzo inopedzeka nenguva diki kuitira kuti vadzidzi vakwanise kuwana nguva
yekuita zvimwewo zvakaita sekuverenga, kunyora manotsi, nezvimwe zviitwa zvemukirasi
zvemazuva ose. Zvakare ngazvive zvisingadhuri, vadzidzi ngavashandise zvavanowana
munharaunda yavo.
4
BHUKU RINO RAKAUMBWA SEZVINOTEVERA:
A: maCALA makumi maviri:
Basa reCALA →Mudonzvo wemudzidzisi →Chipimo chebasa→ Mhinduro
dzingatarisirwe
B: Mimwe mibvunzo yetsvagurudzo
NHENDO
Rutendo kwamuri imi vadzidzi
5
KUMIKIDZO
Hero basa vadzidzisi, hero basa vadzidzi! “Pasina vanhu hapana vadzidzisi, pasina
vadzidzisi hapana vanhu. Vadzidzisi muri vatumwa vaMwari, dai Mwari afambawo nemi
mubasa renyu”
Kune vese vari kuita basa, muri kufira basa muchiziva kuti rine basa, vakafa vari kuti
kufa kune basa veduwe. Saka basa sebasa, ukaona basa rine basa serisina basa
mumabasa emabasa ako, uchashaiwa basa rine basa mumabasa emabasa ako, saka
shanda basa kuti ugowana basa rine basa mumabasa emabasa ako. Iro basa rinoita
serine basa harina basa kana ukada kunyatsotarisa basa racho sebasa. Kune vese vari
kuita basa, shandai muchiziva kuti basa rine basa rine basa, uye basa risina basa rine
basa rebasa rekupa basa vatenzi mabasa emabasa makuru. VaMabasa vakatoramba
zvebasa rinovapa basa risina basa pamabasa avo.
6
Contents
RUZIVO NECHENJEDZO PAMUSORO PEMACALA............................................................ 3
NHUNGAMIDZO ........................................................................................................................ 4
NHENDO ..................................................................................................................................... 5
KUMIKIDZO ............................................................................................................................... 6
CALA 1 MAHWINDI .................................................................................................................. 8
CALA 2 ZVIRAHWE ................................................................................................................ 14
CALA 3 TSUMO ....................................................................................................................... 20
CALA 4 NHARE ....................................................................................................................... 25
CALA 5 MAZITA ...................................................................................................................... 30
CALA 6 NYAUDZOSINGWI ................................................................................................... 36
CALA 7 MUSAMBO WECHINYARIKANI ............................................................................ 40
CALA 8 MITUPO ...................................................................................................................... 46
CALA 9 MICHATO YEMAZUVA ANO ................................................................................. 51
CALA 10 KUTORA ZVINODHAKA ....................................................................................... 56
CALA 11 KUDZIDZA SHONA NECHISHONA CHETE ....................................................... 61
CALA 12 ZVIRWERE............................................................................................................... 67
CALA 13 KUCHEMA MUFI .................................................................................................... 72
CALA 14 KUTARISIRWA PASI KWECHIDZIDZO CHECHISHONA ................................ 82
CALA 15 BASA REUDZIDZISI ............................................................................................... 88
CALA 16 MAZWI ANOPERETERWA ZVAKAFANANA (HOMOGIRAFU) ..................... 94
CALA 17 ZVIRWERE ZVAKANETSA MUZIMBABWE ...................................................... 99
CALA 18 KUTANDA BOTSO ............................................................................................... 105
CALA 19 KUONGORORA KUKOSHAKWEMACALA MUKUDZIDZWA
KWECHISHONA .................................................................................................................... 110
7
CALA 1 MAHWINDI
MUDONZVO WEMUDZIDZISI
KUONGORORA MASHANDIRO EMAHWINDI NEKUGADZIRISA PANE DAMBUDZIKO
MHANDO TSANANGURO
YETSVAGURUDZ
O
MUDZI WETSVAGURUDZO
Kuita tsvagurudzo yevanhu vanonzi mahwindi: zvakanaka zvavanoita, zvakaipa
zvavanoita uye zvingaitwe kuderedza hunhu hwakaipa hwavo
8
MUDONZVO WEMUDZIDZISI
UNHU HWEMAHWINDI
HWARO
Chiitwa: A
i. Tsananguro yechinonzi mahwindi [2]
ii. Hunhu hwakanaka hunoitwa nemahwindi [8]
Chiitwa: B
Hunhu hwakaipa hunoitwa nemahwindi [10]
Chiitwa: C
Zvingaitwe kuderedza hunhu hwakaipa hunoitwa nemahwindi [5]
MAGOVERWO EZVIBODZWA
9
MANOTSI EMUDZIDZISI
Vadzidzi ngavataridze kuti vakaita tsvagurudzo izere
Vadzidzi ngavapindure zviri kudiwa pamatanho ese pasina pavanosiya
10
CHIPIMO CHEBASA
UNHU HWEMAHWINDI
Zita reCALA: KUONGORORA MASHANDIRO EMAHWINDI NEKUGADZIRISA PANE
DAMBUDZIKO
MAPIMIRWO EBASA RICHAITWA
C D E
Uremu A B
AEDZA AEDZAW AOMERW
neunyanzvi SHANGWITI AGONA
ZVIRI NANI O A
Zviri
Kunyora Zvakache Zvakasvib
Zvakachenese Zvakaronge kunetsa
zvakaronge na asi a uye
sa ka asi zviine kutevedza
ka uye zvisina zvisina
nekurongeka kautsvina zvakanyan
zvakachena kurongeka kurongeka
5 4 ya
5 marks 3 2
1
Kutsanangura
hwindi
nekunyora Anyora Anyora Anyora
Anyora Anyora
zvakanaka
zvinoitwa 7-8 3-4 1-2
9-10 5-6
nemahwindi
10 Marks
Kutsanangura
zvakaipa Anyora Anyora Anyora
Anyora Anyora
zvinoitwa
nemahwindi 7-8 3-4 1-2
9-10 5-6
10 marks
Kutsanangura
zvingaitwe Agona zvese Agona Agona Agona
kuderedza unhu izvi Agona zvina
zvitatu zviviri chimwe
hwakaipa 4 3 2 1
hwemahwindi 5
5 marks
Total 30 marks
11
MHINDURO DZINGATARISIRWE
Chiitwa: A
i. Tsananguro yechinonzi mahwindi [2]
-munhu anoshanda panokwirirwa michovha achidaidzira vafambi kuti vapinde
mumota iye achizopiwa kamuripo nevaridzi vemota
12
Chiitwa: C
Zvingaitwe kuderedza hunhu hwakaipa hunoitwa nemahwindi
[5]
-kusavatendera kubata zvinhu
-kuvadzidzisa mabatirwo akanaka anoitwa vanhu
-kusavatendedza kutyaira motokari vasina zvitambi
-kuti vabviswe panzvimbo dzemichovha nemapurisa
-vemakombi vanofanira kufamba nevakokeri vavo
13
CALA 5 MAZITA
MUDONZVO WEMUDZIDZISI
MAZITA ANOREVA ZVAKAFANANA
MHANDO TSANANGURO
YETSVAGURUD
ZO
MUDZI WETSVAGURUDZO
Kuita tsvagurudzo yemazita anoreva zvakafanana, kuaisa mumipanda yawo uye
kuaumba zvakanaka
30
MUDONZVO WEMUDZIDZISI
MAZITA ANOREVA ZVAKAFANANA
HWARO
Mazita anogona kuumbwa zvakasiyana asi achireva zvimwe chete. Kureva zvimwe chete
hazvirevi kuti angapinde mumipanda yakafanana nguva dzose. Maumbwiro awo
anogona kutosiyana zvakare zvichienderana nemupanda waanopinda. Tsvagurudzo ino
yakanangana nekuti vadzidzi vazive upfumi huri mumutauro weChiShona uye kugona
kuronga nekuumba mazita.
Chiitwa: A
Kunyora mazita gumi ekuzvifungira neanoreva zvimwe chete nawo
[5]
Chiitwa: B
Kuisa mazita ese mumipanda yawo
[5]
Chiitwa: C
Kutaridza maumbirwo
[15]
MAGOVERWO EZVIBODZWA
31
CHIPIMO
MAZITA ANOREVA ZVAKAFANANA
Zita reCALA: YEMURO NEONGORORO YEMAZITA AKAUMBWA
ZVAKASIYANA ASI ACHIREVA ZVAKAFANANA
MAPIMIRWO EBASA RICHAITWA
Uremu A B C D E
neunyanzvi SHANGWI AGONA AEDZA AEDZAWO AOMERW
TI ZVIRI A
NANI
Kunyora Zvakache Zvakarong Zvakac Zvakasviba Zviri
zvakaronge nesesa eka asi hena asi uye zvisina kunetsa
ka uye nekurong zviine zvisina kurongeka kutevedza
zvakachena eka kautsvina kuronge 2 zvakanyan
5 marks 5 4 ka ya
3 1
Agona ese Agona 8 Agona 6 Agona 4 Agona 2
Kunyora mazita
zvichidzik
anoreva
5 4 3 2 a
zvakafana
5 Marks 1
32
MHINDURO DZINGATARISIRWE
Chiitwa: A
Kunyora mazita gumi ekuzvifungira anoreva zvimwe chete asi akaumbwa
zvakasiyana [5]
uswa/bundo/sora
mwena/guru
doro/hwahwa/mhamba
dhaka/dope
rukukwe/rupasa/bonde
bura/mbambaira/dima
gonhi/sasa
barika/guru
godo/shanje
nyada/vende
Chiitwa: B
Kuisa mazita ese mumipanda yawo
[5]
Zita Mupanda
uswa/bundo/sora 14, 5, 5
mwena/guru 3 / 4, 5
doro/hwahwa/mhamba 5. 14, 9/10
dhaka/dope 5, 5
rukukwe/rupasa/bonde 11, 11, 5
33
bura/mbambaira/dima 5, 9/10, 5
gonhi/sasa 5, 5
barika/guru 5, 5
godo/shanje 5, 9/10
nyada/vende 5, 5
Chiitwa: C
Kutaridza maumbirwo [15]
Zita
uswa/bundo/sora
mwena/guru
doro/hwahwa/mhamba
dhaka/dope
rukukwe/rupasa/bonde
bura/mbambaira/dima
gonhi/sasa
barika/guru
godo/shanje
nyada/vende
Chivakashure chezita + Dzitsi rezita
u- -swa
ri- -pundo
ri- -sora
mw- -ena
ri- -kuru
ri- -toro
hw- -ahwa
34
N- -mhamba
ri- -dima
ri- -koni
ri- -sasa
ri- -kodo
ri- -kuru
ri- -kodo
Ø- -shanje
ri- -nyada
ri- -vende
35
CALA 9 MICHATO YEMAZUVA ANO
CHIDZIDZO SHONA DANHO FOMU YECHINA
LANGUAGE
MHANDO TSANANGURO
YETSVAGUR
UDZO
51
MUDONZVO WEMUDZIDZISI
MICHATO
HWARO
Vanhu vari kupembedza michato senzira yekuwanana mazuva ano. Muchato une
zvawakanakira uye pane matambudziko akawanda ari kuuya nekuda kwemichato.
Tsvagurudzo ino yakanangana nekutsvaga zvakanakira muchato, zvawakaipira
nezvingaitwe kuderedza matambudziko acho.
Chiitwa: A
Zvakanakira muchato [10]
Chiitwa: B
Zvakaipira muchato [10]
Chiitwa: C
Zvingaitwe kuderedza matambudziko [5]
MAGOVERWO EZVIBODZWA
MANOTSI EMUDZIDZISI
52
CHIPIMO
MICHATO
Uremu A B C D E
neunyanzvi SHANGWITI AGONA AEDZA ZVIRI AEDZA AOMERWA
NANI WO
Kunyora Zvakachene Zvakarongeka Zvakachena asi Zvaka Zviri kunetsa
zvakarong sesa asi zviine zvisina sviba kutevedza
eka uye nekurongek kautsvina kurongeka uye zvakanyanya
zvakachen a 4 3 zvisina 1
a 5 kurong
5 marks eka
2
Anyurura Anyurura Anyurura Anyu Anyurura
Zvakanakira
rura
muchato
9-10 7-8 5-6 1-2
10 Marks 3-4
53
MHINDURO DZINGATARISIRWE
Chiitwa: A
Zvakanakira muchato [10]
-unoita kuti pabviswe roora
-unoita kuti vanhu vafambirane
-unosunganidza ukama
-unoita kuti vachati vawane zvipo
-unopa rudadiso kuvachati nevabereki
-unosimudzira rudo kuvachati
-unoita kuti vamwe vawanewo basa sk vatambi, vachatisi, vedheko,
vekubika
-unozivisa veruzhinji wanano pajekerere pasina kuhwandirana
-unoshanda seuchapupu pakugovewa kwepfuma pakati pemukadzi,
murume nevana
-unoderedza undyire kubva kuhama neshamwari kana pafiwa etc
Chiitwa: B
Zvakaipira muchato [10]
-unodhura kugadzirira
-unosunganidza vanhu nyangwe paine rudo rwemanyepo
-unounza kusarudzana pamhuri
-mhemberero dzinongoitwa zuva rimwe dzotopera
-unogona kusawana zvipo zvakawanda zvaunenge uchitarisira
-unogona kushaya tsigiro kubva kuvabereki kana hama
-unotora nguva refu kugadzirira
-unopiwa zvipo nezvausingadi
-unogona kuitwa muchivande kunyanya wekumakoti
-unopa vanhu mutoro wekufunga nekugadzirira etc
54
Chiitwa: C
Zvingaitwe kuderedza matambudziko [5]
-veukama vanofanira kutsigira vachati zvizere
-vakokwa kumuchato ngavauye nezvipo zvakanaka
-vachati ngavachate chete kana vaine rudo rwechokwadi
-vachati ngavasarudze nzvimbo dzisingadhuri dzekuchatira
-hama ngadziwirirane nguva dzese kuti pasazove nekukakatirana
pamuchato etc
55
CALA 10 KUTORA ZVINODHAKA
KUTORWA KWEZVINODHAKA NEVECHIDIKI MUZVIKORO
MHANDO TSANANGURO
YETSVAGURU
DZO
MUDZI WETSVAGURUDZO
Kutorwa kwezvinodhaka nevechidiki zvaita kuti vatadze kudzidza zvakanaka
56
MUDONZVO WEMUDZIDZISI
KUTORWA KWEZVINODHAKA
HWARO
Vechidiki vazhinji muzvikoro vave kunyanya kutora zvinodhaka izvo zvave kuita kuti
hunhu hwevo hunetse kugadzirisa muzvikoro. Mhando dzezvinodhaka uye zvinokonzera
kuti vanhu vade zvinodhaka ndizvo zvinoda kuzivikanwa kuti pagove nenzira
dzekuderedza dambudziko iri muzvikoro.
Chiitwa: A
Mhando nemazita ezvinodhaka zviri kutorwa nevechidiki muzvikoro
[5]
Chiitwa: B
Zviratidzo zvekutorwa kwezvinodhaka nevechidiki muzvikoro
[10]
Chiitwa: C
Zvingaitwe kuderedza kutorwa kwezvinodhaka nevechidiki
[5]
MAGOVERWO EZVIBODZWA
Kugona kudoma mhando/mazita ezvinodhaka
Kupa zviratidzo zvekutorwa kwezvinodhaka
Kupa zvingaitwe kuderedza kutorwa kwezvinodhaka
Kunyora basa rakarongeka uye rakachena
MANOTSI EMUDZIDZISI
Vadzidzi ngavataridze kuti vakaita tsvagurudzo izere
Vadzidzi ngavapindure zviri kudiwa pamatanho ese pasina pavanosiya
57
CHIPIMO
KUTORWA KWEZVINODHAKA
Uremu A B C D E
neunyanzvi SHANGWITI AGONA AEDZA AEDZAW AOMERWA
ZVIRI O
NANI
Kunyora Zvakachene Zvakar Zvakache Zvakasvib Zviri kunetsa
zvakarongeka sesa ongeka na asi a uye kutevedza
uye zvakachena nekurongek asi zvisina zvisina zvakanyanya
5 marks a zviine kurongek kurongeka 1
5 kautsvi a 2
na 3
4
Anyora Anyora Anyora Anyora Anyora
Zvingaitwe
kuderedza kutorwa
9-10 7-8 5-6 3-4 1-2
kwezvinodhaka
10 Marks
Anyora Anyora Anyora Anyora Anyora
Zviratidzo
zvekutorwa
9-10 7-8 5-6 3-4 1-2
kwezvinodhaka
10 marks
Kudoma zvinodhaka Agona Agona Agona Agona chimwe
5 marks Agona
zvese izvi zvitatu zviviri 1
zvina
3 2
5 4
Total 30 marks
58
MHINDURO DZINGATARISIRWE
Chiitwa: A
Mhando nemazita ezvinodhaka zviri kutorwa nevechidiki muzvikoro
[5]
Zvinwiwa: doro, waini, etc
Zvisvutwa: mbanje, fodya, glue, etc
Chiitwa: B
Zviratidzo zvekutorwa kwezvinodhaka nevechidiki muzvikoro
[10]
-kusauya kuchikoro mazuva ose
-kutiza zvidzidzo nguva yekudzidza
-kudya zviwitsi nguva zhinji
-kuramba kubatirwa bhegi
-kutamba nevanhu vanofungidzirwa kana vanozivikanwa kuti vatori
vezvinodhaka
-kupindura zvisina unhu
-kungoseka-seka kana kunyara zvisina tsarukano
-kugara munhu achingodya
-kutsvuka kwemaziso
-kungonzwa kuda kurwa
Chiitwa: C
Zvingaitwe kuderedza kutorwa kwezvinodhaka nevechidiki [10]
-kugara vadzidzi vari pavanoonekwa
-kugara vadzidzisi vachitaura nevabereki vevana
-kuita mazuva ekuuya kwevabereki kuzoona vadzidzisi nevadzidzi
-kuita ungano dzemangwanani vadzidzi vachiudzwa zveupenyu
59
-kuita makirabhu ekuzvichengetedza kwevana
-kuita zvidzidzo zvekeriya
-kurambidza kutengeswa kwezvinodhaka muzvikoro
-kupatsanura vadzidzi vane misikanzwa pakudzidza
-kudzinga chikoro vadzidzi vanotora zvinodhaka pachikoro
-kuranga nebasa rakaoma kune vanenge vabatwa
60
CALA 15 BASA REUDZIDZISI
FOMU YECHINA
MHANDO TSANANGURO
YETSVAGURU
DZO
88
2. BASA REUDZIDZISI
KUONGORORA NEKUYEMURA BASA REUDZIDZISI
MUDONZVO WEMUDZIDZISI
BASA REUDZIDZISI
HWARO
Vanhu vazhinji mazuva ano havacheyemuri basa reudzidzisi muno muZimbabwe nekuda
kwekuti harisi kubhadharwa zvinofadza nehurumende. Nenyaya yekuti mabasa
mashoma munyika yeZimbabwe, vanhu vazhinji vanozopedzisira vave kunodzidzira
udzidzisi. Basa iri rinoita serakanaka chete asi ritoriwo nenjodzi dzariinadzo semamwe
mabasawo. Zvakanaka kuti vadzidzi vaite tsvagurudzo izere pamusoro pebasa iri
vasazoite zvekungowira pakupedzisira
Chiitwa: A
Chiitwa: B
i. Dzidzo inodiwa kuti munhu ave mudzidzisi akakwana [5]
ii. Njodzi dzinowanikwa mubasa reudzidzisi [8]
Chiitwa: C
Zvingaitwe kuderedza njodzi pabasa reudzidzisi [5]
MAGOVERWO EZVIBODZWA
89
Kuisawo umbowo hwetsvagurudzo
Kunyora basa rakarongeka uye rakachena
MANOTSI EMUDZIDZISI
90
CHIPIMO
Zita reCALA: KUONGORORA BASA REUDZIDZISI
MAPIMIRWO EBASA RICHAITWA
Uremu A B C D E
neunyanzvi SHANGWI AGONA AEDZA ZVIRI AEDZAWO AOMER
TI NANI WA
Kunyora Zvakach Zvakaro Zvakachena Zvakasviba Zviri
zvakaron enesesa ngeka asi zvisina uye zvisina kunetsa
geka uye nekuron asi kurongeka kurongeka kutevedz
zvakache geka zviine 3 2 a
na 5 kautsvin zvakanya
5 Marks a nya
4 1
Anyora Anyora Anyora Anyora Anyora
Kutsanangura
udzidzisi
7 5-6 4 3 1-2
nekunyora
kunodzidzirw
a udzidzisi
7 Marks
Anyora Anyora Anyora Anyora Anyora
Kutsanangura
zvakanakira
12-13 10-11 7-9 4-6 1-3
basa
reudzidzisi
13 Marks
Kutsanangura Agona Agona Agona zviviri Agona
zvingaitwe Agona zvina
zvese zvitatu 2 chimwe
kuderedza izvi 4 3 1
njodzi pabasa
reudzidzisi 5
5 Marks
Total 30
marks
91
MHINDURO DZINGATARISIRWE
Chiitwa: A
Chiitwa: B
92
ii. Njodzi dzinowanikwa mubasa reudzidzisi
[8]
-kunyeperwa kubata/kubatwa chibharo
-kupomherwa mhosva dzemari
-kurwarirwa nevana vechikoro
-kurohwa nevana vechikoro
-kuwandirwa nebasa kana chikoro chakakura
-kushandira nzvimbo dzinotaurwa mutauro wausinganzwisisi
-kushandira kure nemusha kana mhuri yako
-kusabhadharwa zvinodyidzana nedzidzo yako etc
Chiitwa: C
Zvingaitwe kuderedza njodzi pabasa reudzidzisi [5]
-kuenda kunotsvaga basa kune dzimwe nyika
-kuenda kunoshandira pedyo nemusha wako
-kuitawo mamwe mabhindauko anounza mari
-kuita zvakatendeka nemari yepabasa
-kuvaka chipatara pachikoro etc
93
KUITWA KWEMACALA MUZVIKORO
MHANDO TSANANGURO
YETSVAGUR
UDZO
110
MUDZI WETSVAGURUDZO
Kuongorora kukosha kwemaCALA mukudzidzwa kweChiShona
111
MUDONZVO WEMUDZIDZISI
KUITWA KWEMACALA MUZVIKORO
HWARO
Chiitwa: A
Kupa yemuro yezvakanakira maCALA [10]
Chiitwa: B
Kupa zvakaipa zvakauya nekuda kwemaCALA [10]
Chiitwa: C
Zvingaitwe kupedza matambudziko acho [5]
MAGOVERWO EZVIBODZWA
MANOTSI EMUDZIDZISI
112
CHIPIMO
Zita reCALA: KUONGORORA MASHANDIRO EMAHWINDI NEKUGADZIRISA
PANE DAMBUDZIKO
MAPIMIRWO EBASA RICHAITWA
Uremu A B C D E
neunyanzvi SHANGWI AGONA AEDZA AEDZAWO AKAOME
TI ZVIRI NANI RWA
Kunyora Zvakach Zvakaro Zvakachen Zvakasviba Zviri
zvakarongeka enesesa ngeka a asi uye zvisina kunetsa
uye nekuron asi zvisina kurongeka kutevedza
zvakachena geka zviine kurongeka 2 zvakanyan
5 marks 5 kautsvin 3 ya
a 1
4
Anyora Anyora Anyora Anyora Anyora
Kunyora
zvakanakira
9-10 7-8 5-6 3-4 1-2
maCALA
10 Marks
Anyora Anyora Anyora Anyora Anyora
Kunyora
zvakaipira
9-10 7-8 5-6 3-4 1-2
maCALA
10 marks
Kuderedza Agona Agona Agona Agona
matambudzik Agona zvina
zvese zvitatu zviviri chimwe
o izvi 4 3 2 1
5 marks
5
Total 30
marks
KUITWA KWEMACALA MUZVIKORO
113
MHINDURO DZINGATARISIRWE
Chiitwa: A
Kupa yemuro yezvakanakira maCALA [10]
-anoita kuti vadzidzi vawane zvibodzwa nyore izvo zvinozoshandiswa
pabvunzo dzavo
-vadzidzi vanodzidza kuita tsvagurudzo vasati vaenda kuyunivhesiti kana
koreji
-anoita kuti vadzidzi vakoshese dzidzo
-anodzidzisa vadzidzi kufunga zvine udzamu
-mudzidzi anokwanisa kubatsirwa nevamwe kana nemudzidzisi wake
-mudzidzi akafoira bvunzo anogona kushandisa maCALA ake ekare iwayo
-anopa mwana tarisiro yekupasa bvunzo dzake kana akagona maCALA ake
-anoita kuti vadzidzi vadzidzire kushanda pamwe
-anosimbaradza ukama pakati pemudzidzisi nemudzidzi
-anoderedza vadzidzi vasingaiti basa muzvikoro etc
Chiitwa: B
Kunyora zvakaipa zvakauya nekuda kwemaCALA [10]
-anowanzira vadzidzi basa pamusoro perekuverenga, manotsi nekudzidza
kwavagara vachiita
-anowanzirawo mudzidzisi basa rekuita/rekumaka nekuongorora
-ari kupa vadzidzisi basa guru rekusonana nevasingadi kuita maCALA kana
vanorovha
-bazi reZIMSEC rakapa vadzidzisi basa asi harisi kuvabhadhara pakumaka
maCALA
-aunza huori muzvikoro pakati pevadzidzisi nevadzidzi vechikoro
114
-ari kuwedzera mutoro webasa kune zvidzidzo zvagara zvichiita mapurojekiti
zvakaita seBuiding, Agriculture
-ari kuita kuti vadzidzi vakoshese maCALA kukunda kugadzirira bvunzo
dzekupedzisira
-maCALA acho anenge akasiyana muzvikoro saka zvinonetsa kuyera vadzidzi
pakupedzisira
-vadzidizisi vari kunetseka nepekuchengetera maCALA evadzidzi kunyanya
zvikoro zvidiki zvisati zvanyatsovakwa
-ari kudhurira vabereki sezvo pachidikwa mafaira neumbowo hwetsvagurudzo
etc
Chiitwa: C
Zvingaitwe kupedza matambudziko acho [5]
-maCALA ngaaite mashoma kana rimwe chete kuti vadzidzi vawane nguva
yemamwe mabasa
-zvidzidzo zvagara zviine mapurojekiti ngazvisaite maCALA
-maCALA ngaafananidzwe nyika yese kuti vadzidzi vapimwe zvakaenderana
-vadzidzisi ngavabhadharwe zvakakwana pabasa ravo kuti huori huderere
-vadzidzisi nevadzidzi ngavadzidziswe zvizere pamusoro pemaCALA acho etc
115
RIMWE BASA RETSVAGURUDZO
116
7. i. Kutsvaga rwiyo rwemuimbi mumwe chete rweShona nekunyora mashoko arwo
ese pasi
ii. Kunyora nekutsanangura dzidziso shanu dzeupenyu dziri kubuda murwiyo
rwacho
8. i. Kunyora ngano yekuzvifungira imwe chete ine vatambi vemhuka dzinoti: (kiti,
huku nagonzo) (mapeji maviri)
ii. Kunyora mabasa engano muupenyu hwevanhu
117
118